Accessibility links

Breaking News

MDC neZanu PF Zvokweshana muMatare


Matare anonzwa nyaya dzesarudzo, kana kuti Electoral Court, atanga kuzeya dzimwe dzenyaya dzakakwidzwa mumatare aya neMDC pamwe neZANU-PF.

Mapato aya ari kupikisa zvakabuda musarudzo dzemuna Kurume mumatunhu zana nemashanu. MDC ine nyaya makumi mashanu nembiri, ukuwo ZANU-PF ine nyaya makumi mashanu nenhatu dziri mumatare aya.

Rimwe remagweta eMDC, VaAndrew Makoni, vanoti dzimwe nyaya dzichanzwikwa mumazuva anotevera svondo rino.

Patience Rusere weStudio Seven atanga nekubvunza VaMakoni kuti chii chaitika neMuvhuro mumatare aya.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG