Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votarisirwa Kudzoka Munyika neMugovera


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vari kutarisirwa kusvika munyika neMugovera. VaTsvangirai vanga vari kunze kwenyika, vachiita hurukuro nevatungamiri venyika dzemu Africa, pamusoro pegakava riripo panyaya yesarudzo. VaTsvangirai vakabuda munyika muna Kubvumbi.

Kudzoka kwaVaTsvangirai kunoitika apo munyika muine mhirizhonga iri kukonzerwa nehurumende yaVaMugabe. Mhirizhonga iyi yauraya nhengo dzeMDC dzinodarika makumi matatu, uye zviuru nezviuru zvevanhu zvakarohwa zvakaipisisa, vamwe vakapisirwa dzimba.

VaTsvangirai vari kudzoka mushure mekunge dare redzimhosva rapa mutongo wekuti mapurisa haana chikonzera chekurambidza MDC kuita musangano wayo muBulawayo kuWhite City Stadium neSvondo. Bato iri rakakwidza nyaya iyi mudare mushure mekungere rarambidzwa kuita musangano uyu nemapurisa.

Vachipa mutongo wavo panyaya yakanga yakwidzwa nemagweta eMDC, mutongi wedare re High Court, VaMaphios Cheda, vati mapurisa haana kuuya kuzopikisa nyaya iyi, nokudaro haafanirwi kutadzisa MDC kuita musangano wayo.

Musangano uyu ndewe kutambira kudzoka kumusha kwaVaTsvangirai, pamwe nekupemberera kukunda kwarakaita ZANU-PF musarudzo.

VaGeorge Sibotschiwe ndivo mutauriri waVaTsvangirai.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro naVaSibotcshiwe kuti tinzwe pfungwa dzavo pakudzoka kwaVaTsvangirai, pamwe nemutongo wapihwa nedare remuBulawayo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG