Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Inoenderera Mberi Kunyange Hazvo Zanu PF Iri Kuti Ngaimire


Mhirizhonga yezvematongerwo enyika inonzi iri kuramba ichikwira mudunhu reMashonaland East, uko vatsigiri veZanu PF vanonzi vari kuramba vachishungurudza vanopikisa bato ravo.

Misha mitatu yevatsigiri veMDC inonzi yakapiswa neChitatu usiku kuRukariro, kuUzumba, vanhu vaviri vakakuwadzwa zvakaipisisa. KuMarondera, vatsigiri veZanu PF vakabva mumaruwa eSvosve, vanonzi vakaputsa dzimba ina uye musika mumusha weCherima.

Pamuzinda weMDC muHarare, pange pakazara nevanhu vanodarika zana, avo vari kuuya kuzopotera zvichitevera kurohwa pamwe nekupisirwa misha yavo. Vazhinhi vevanhu ava vanonzi vari kubva kuMashonaland East. Mashoko atatambira anotiwo pana ishe wekuMashonaland West, uyo anonzi akarohwa zvakaipisisa nevatsigiri veZanu PF kuMhondoro. Changa chiri chipata pata pamuzinda weMDC, vanhu vachiendeswa kuzvipatara.

KuGokwe, Midlands, zvinonziwo vatsigiri veMDC vakarwiswa nevatsigiri veZanu PF, asi vakazodzorerawo, izvo zvinonzi zvakazokonzera kukuvara kwashe vanonzi Mukoka. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF pamwe nemapurisa pamusoro pemhirizhonga iyi.

Mhirizhonga dziri kuitika apo mutauriri webato reZanu PF mazuva ano, VaPatrick Chinamasa, vari kuti bato ravo rinofanirwa kushanda pamwe neMDC mukuedza kupedza mhirizhonga iri munyika. Ukuwo mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti Zanu PF haisati yasvitsa shoko iri kwavari, asi vakazvipira kugara pasi kuti mhirizhonga ipere. Vatiwo izvi zvinogoneka chete kana Zanu PF yakazvipirawo kuita izvi nemwoyo wese.

Mukurwisanawo nemhirizhonga, mapurisa ekuMasvingo anonzi nemusi weChitatu akasunga nhengo dzeZanu PF dzingangosvika makumi mashanu, idzo dzinofungidzirwa kuti dzanga dzichikonzera mhirizhonga mudunhu iri.

Ukuwo vatungamiri venyika dzeSouth Africa neMozambique, vanga vachitarisirwa kusangana muMaputo, kuti vakurukurewo nezvemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Mumwe wevakashungurudzwa nevatsigiri veZanu PF kuKotwa, kuMudzi, VaShepherd Matuku, avo vari mune chimwe chipatara muHarare, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti havaoni vatsigiri veZanu PF vachimisa mhirizhonga, sezvo vamwe vavo vave kuita zvehumbavha mukati memhirizhonga umu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG