Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Votiza muZvikoro


Sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti riri kuronga kukwidza kumatare edzimhosva, mukuru wemapurisa, Police Commissioner – General, VaAugustine Chihuri.

Sangano iri rinoti rinoda kuti matare edzimhosva amanikidze VaChihuri kuti vavhare mabhesi ari kushandiswa mukushungurudza nhengo dze MDC, pamwe nevanhuwo zvavo.

PTUZ inoti ichaendesa magwaro ayo kumatare edzimhosva neChishanu. Munyori mukuru wesangano iri, VaRaymond Majongwe, vanoti zvikoro zvinodarika mazana mana zvakavharwa nepamusana pemhirizhonga iri kuitika munyika, uye vadzidzi vanodarika zviuru zvishanu, vakatiza muzvikoro zvavari kudzidzisa, nepamusana pemhirizhonga iyi.

VaMajongwe vanotiwo vanasikana vari kubatwa chibharo mumabhesi aya. Vatiwo vasikana vapfumbamwe vakabatwa chibharo kuMudzi kuMashonaland East, uye vari kumanikidzwa kuita mapungwe vari mumabhesi aya. Vati zviri kuitika izvi, ndizvo zvapa kuti vakwidze nyaya iyi kumatare edzimhosva.

VaKennedy Mhuri vanodzidzisa paNyamakuyo primary school kuMudzi, uko vakatiza.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro navo kuti tinzwe zviri kuitika kumaruwa.

Dzimwe Nhau Kubva KuStudio 7...

XS
SM
MD
LG