Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeMDC Inourayiwa muMhirizhonga kuShamva


Mhirizhonga yezvematongerwo enyika inonzi iri kuenderera mberi munyika kunyange hazvo vamwe vakuru muZanu PF vave kukurudzira nhengo dzavo kuti dzisiyane netsika yekuponda vanhu, kupisa uye kuparadza misha yevanhu.

Mudunhu reMadziwa kuShamva North, pasi paShe Mutumba, vechidiki veZanu PF vanonzi vakaponda Sabhuku Elias Kahari, wemubhuku rekwaMadziwanzira nemusi weSvondo. VaKahari, avo vanonzi vanga vava nemakore makumi manomwe ekuberekwa, vanonzi vakapondwa nechikonzero chekuti mumusha mavo makasarudzwa makanzura akawanda eMDC. Misha yakawanda inonzi yakaparadzwawo muchiitiko ichi.

KuMukumbura, kuMt Darwin, misha yevatsigiri veMDC inonzi yapiswawo. KuMidlands, kuNembudziya, vatsigiri veMDC vanodarika vasere, vanonzi vasungwa kusvika pari zvino, vachipomerwa mhosva dzekukonzera mhirizhonga.

Izvi zvose zvinoitika apo vamwe vatungamiri veZanu PF vanonzi vava kukurudzira vatsigiri vavo kuti vasiyane mhirizhonga. KuMasvingo mapurisa anonzi ari kuparadzawo makamba anga aiswa nevatsigiri veZanu PF munzvimbo dzakasiyana siyana.

KuManicaland, mapurisa pamwe nevakarwa hondo yerusununguko, vanonzi vari kutsvaga vaimbowe meya weMutare, uye vakasarudzwa kumirira, Mutasa South, VaMisheck Tofa Kagurabadza. Mapurisa anonzi haasi kuudza vanhu zvaari kutsvagira VaKagurabadza. Studio 7 hainawo kukwanisa kunzwa divi remapurisa.

Zvichakadaro, mapurisa asunga nhengo dzeMDC shanu, kusanganisira mumiriri weKadoma Central, Amai Editor Matamisa, vachipomerwa mhosva yekupisa imba yekudyira yevaimbowe meya weKadoma, VaFani Phiri.

Amai Matamisa vaudza Jonga Kandemiirim veStudio 7 kuti ivo vazoregwa kwapera maawa matanhatu, asi vamwe vavo vachiri mumaoko emapurisa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG