Accessibility links

Breaking News

SADC Yorongazve Mumwe Musangano Wekuzeya Zimbabwe


SADC iri kutarisirwazve kudaidzira mumwe musangano wechimbichimbi mumazuva mashoma anotevera wekuyedza kugadzirisa dambudziko riri muZimbabwe.

Gakava riripo riri pakati pemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, pamusoro pesarudzo ye run off. Hurumende inoti sarudzo iyi inofanirwa kudzokororwa zvakare sezvo pasina akakunda zvine mutsindo. VaTsvangirai vanoti vari kupinda musarudzo iyi vachipikisa sezvo vari kuti vakakunda VaMugabe zvisingadi kuti sarudzo iyi idzokororwe.

Hurumende inonzi iri kushandisa vechidiki veZanu PF mukushungurudza nhengo dzeMDC, kuitira kuti VaMugabe vakunde musarudzo iyi.

VaTsvangirai, avo vari kunze kwenyika, vari kutarisirwa kudzoka munyika mumazuva mashoma anotevera, kunyange hazvo bato ravo richiri kuti riri kutyira hupenyu hwavo.

Hurumende yeAmerica inotiwo hurumende yaVaMugabe inofanirwa kuchengetedza VaTsvangirai kana vadzokera kumusha, uye kuti inofanirwa kuremekedza sarudzo ye run off..

NeMuvhuro VaTsvangirai vakaita musangano nemutungamiri wehurumende yeLesotho, VaPakalitha Mosisili, vachizeya dambudziko rakatarisana neZimbabwe.

NeMuvhuro zvakare, vanoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muNigeria, VaOjo Maduekwe, vakaitawo musangano nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, pamusoro penyaya yeZimbabwe. Vakatiwo nyika yavo iri kushushikana zvikuru nenyaya yemhirizhonga iri munyika.

Vatiwo AU inofanira kutumira vaongorori vesarudzo vakawanda kuzoongorora sarudzo muZimbabwe.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu kuti munyika maberekera ingwe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG