Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzopesana Pamutemo weSarudzo yeRun Off


Dzimwe nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti ZEC haina masimba ekutara zuva resarudzo yemutungamiri wenyika, kana mazuva makumi maviri nerimwe, akatarwa nemutemo, apfuura kubva musi wakaitwa sarudzo yemutungamiri wenyika.

Vamwe vanoongorora vanoti chimwe chikamu chemutemo we Electoral Act chinoti ZEC inemasimba ekushandura zvavanenge vaona zvakakodzera maererano nesarudzo iyi. Asi nyanzvi mune zvemutemo dzinoti chikamu ichi hachina kunangana nesarudzo yemutungamiri wenyika iri kudzokororwa, kana kuti run-off, asi kuti sarudzo dzese dzemunyika. Nyanzvi idzi dzinoti izvi zvinoreva kuti kana ZEC ichida kuronga nezvesarudzo idzi, inofanirwa kuzviita mukati memazuva makumi maviri nerimwe akatarwa aya.

Asi sachigaro veZEC, Va George Chiweshe, vakati ZEC iri kuda nguva yekugadzirira zvakakwana zvesarudzo iyi, kunyange hazvo vakambenge vati ZEC yakagadzirira kuita patsva sarudzo dzemutungamiri wenyika, chero ipi zvayo nguva.

Kuti tinzwisise kuti mutemo unoti kudii pane zviri kutaurwa neveZEC, kuti sarudzo yemutungamiri wenyika, kana kuti run-off, haygoni kuitwa mukati memazuva akatarwa, mutori wenhau, Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro na Dr Lovemore Madhuku, gweta uye vari mudzidzisi wepaUniversity of Zimbabwe, zvakare vari sachigaro veNCA.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG