Accessibility links

Breaking News

SADC Yoita Chipatapata Kugadzirisa Nyaya yeZimbabwe


SADC inoti iri kuyedza kugadzirisa dambudziko ratarisana neZimbabwe, kunyange hazvo zviri pachena kuti mhirizhonga yave kuramba ichipararira nenyika. Bato reMDC rinoti kusvika pari zvino, pafa vanhu vanodarika makumi matatu mumhirizhonga.

Mutungamiri weAngola, VaJose Eduardo Dos Sanatos, vakatuma chikwata cheSADC Organ on Politics and Defence, kuti chinotaura naVaMugabe, VaLevy Mwanawasa mutungamiri weZambia, uye vari sachigaro weSADC, kusanganisira nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, avo vanova mutongi gava panyaya yeZimbabwe.

Nyika nhatu dzemuSADC dziri kubata nyaya yeZimbabwe, dzinosanganisira Angola, Swaziland neTanzania. Chikwata ichi chiri kusanganisawo executive secretary weSADC, VaTomaz Salamao. VaSalamao vaudza Studio 7 kuti vakatotumirawo chikwata chenyanzvi kunoongorora mhirizhonga iri kuitika munyika.

VaSalamao vati vari kuda kuti ZEC iite sarudzo dzerun-off nechimbichimbi.

Vatiwo vange vachidisa kutaura nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, avo vange vachitarisirwawo kuenda kuAngola kunoita hurukuro naVaDos Santos.

South Africa yakatumirawo chimwe chikwata kunoongorora nyaya yemhirizhonga uye chikwata ichi chinonzi change chiri kuChiweshe neChina uko kunonzi kwakapondwa vanhu gumi nemumwe mumazuva apfuura.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti hapana shanduko kubva zvanzi SADC iri kuongorora nyaya yemhirizhonga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7....

XS
SM
MD
LG