Accessibility links

Breaking News

MDC neZANU-PF Dzopikisana Zvakabuda Musarudzo


ZANU-PF neMDC dziri kupikisa zvakabuda musarudzo dzevamiriri veparamende mumatunhu anodarika zana.

Bepanhau reHerald rinoti ZANU-PF iri kupikisa zvakabuda mumatunhu anopfuura makumi mashanu, ukuwo MDC ichipikisa zvakabuda mumatunhu anopfuurawo makumi mashanu.

Mutongi mukuru wematare edzimhosva, Justice Godfrey Chidyausiku, vakatopa basa iri kuvatongi vanosvika makumi maviri, zvichitevera kuwedzerwa kwevatongi vedare iri gumi nevanomwe, kuitira kuti nyaya idzi dzinzwikwe nekukurumidza.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Studio 7 kuti ZANU-PF haifanirwi kunge ichipikisa zvakabuda musarudzo idzi, sezvo vari ivo vakanga vakabata sarudzo idzi. Vati kuenda kumatare izano reZANU-PF rekuti vamiriri veparamende vagadzwe, sezvo vakaona kuti vave bato rinopikisa, mushure mekukundwa musarudzo dzakaitwa muna Kurume.

Umwe anoongorora zvematongerwo, VaChido Makunike, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitika pakati pemapato maviri izvi, zvinoratidza kuti dai pasina kuitwa sarudzo idzi, sezvo vose vari kungopikisana pane zvese zvakaitika musarudzo idzi.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaFarai Maguwu, avo vanoongorora zvematongerwo enyika, uyezve vari Executive Director veCenter for Research and Development, kuti tinzwe pfungwa dzavo panyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG