Accessibility links

Breaking News

Commissioner-General Chihuri Vokurudzira Mhirizhonga


Vakuru vakuru vemuchipurisa, kubva pana Inspector zvichikwira, vadaidzwa neChitatu kumusangano wechimbi chimbi wanga uchitungamirwa nemukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri.

Musangano uyu wanga uri wekuronga nzira dzinopa kuti mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vasarudzwe zvine mutsindo mu run-off iri kurongwa neZEC. Musangano uyu unonzi waitirwa paMorris Depot Sports Club muHarare.

Zvinonziwo musangano uyu wanga uri wekuronga vanofanirwa kusungwa kana kushungurudzwa nehurumende, senzira yekuyambira vanopikisa kuti vakavhotera MDC, vachazvionera pamunhu sefodya. Zvinonziwo zvimwe zvikwata zvichanokonzera mhirizhonga zvatumirwa kuShamva, Mazowe neMount Darwin.

Mashoko atinawo anotiwo vakuru vakuru vemapurisa, masoja, pamwe nevasori, vaitawo musangano muChinhoyi, vachirongera MDC dhende musarudzo iyi.

Ukuwo, mhirizhonga inonzi ichiri kuenderera mberi mudunhu reChiweshe, uko kunonzi vatsigiri veMDC gumi nemumwe, vakapondwa nemasoja pamwe nevechidiki veZanu PF usiku hweMuvhuro. Mitumbi mina yevakaurawa ava, inonzi iri kuchipatara cheConcession, mimwe mitumbi minomwe inonzi iri pachipatara cheHoward kuMashonaland Central.

Vamwe vevakakuvara mumhirizhonga iyi, vanonzi vari muzvipatara zvakakomberedza Chiweshe neHarare umo vari kurapwa.

Mashoko atatambira anotiwo nezuro misha yevatsigiri veMDC yakapiswa pamapurazi anoti Logan, Soma neKief. Zvinonzi mbudzi dzinosvika makumi manomwe neshanu, dzinonzi dzakaparadzwa papurazi reMukungurutse mudunhu reShamva North. Vakapisirwa misha mudunhu reShamva vanonzi vaungana pakamba yemapurisa yemuShamva.

KuKandeya kuMount Darwin, misha yevakavhotesa musarudzo dzemuna Kurume inonziwo yakapiswa uye kuparadzwa.

Sangano reZimbabwe Election Support Network rakaburitsawo gwaro rekukurudzira mapurisa pamwe nemapato ezvematongerwo enyika kuti vamise kurwiswa pamwe nekushungurudzwa kwevaiongorora sarudzo. Izvi zvinotevera kupiswa kwemisha mubhuku rekwaChibara kuMount Darwin East.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata vakanga vakamirira MDC musarudzo yemumiriri weMazowe North mudare reparamende, VaBiggie Chigonero, avo vanoti vave mushishi kuronga nezvekuvigwa kwevakapondwa kumisha yavo kuChiweshe.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG