Accessibility links

Breaking News

Vakuru Muchiuto Voyambira Kuti Mhirizhonga Ichatonyanya


Dzimwe nhengo dzemuchiuto dzinoti mhirizhonga iri kuitika munyika, ichatonyanya mumazuva anotevera, sezvo vechiuto uye vaimbove varwiri vehondo yerusununguko, vatanga kudzidzisa vechidiki veZanu-PF zvechiuto kunzvimbo dzakaita seMurehwa, Mutoko neShamva.

Vakuru vemauto nemapurisa vanonziwo vatangazve kufamba mumakamba emapurisa nemauto, vachivaudza nekuvatyisidzira kuti vatsigire Zanu-PF mu run-off, sezvo MDC ichizovadzinga basa uye kudzosera minda kuvarungu. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa, pamwe neremasoja panyaya iyi.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Studio 7 kuti vachazotaura nezvenyaya iyi munguva inotevera.

Sachigaro weZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaJabulani Sibanda, vaudza mutori wenhau Blessin Zulu kuti manyepo kuti sangano ravo riri kudzidzisa vanhu zvechiuto.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG