Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vogara Vakaratidzira paMuzinda weZimbabwe muAmerica


Vana veZimbabwe vari kugara muAmerica, pamwe neshamwari dzavo dziri munyika iyi dziri kurwadzikana nezviri kuitika muZimbabwe, varatidzira neChishanu pamuzinda weZimbabwe muAmerica, uyo uri muWashington DC. Vanhu ava vanoti vari kushungurudzika zvikuru nekuurayiwa kuri kuitwa vanhu muZimbabwe.

Mumwe wevataura pachiitiko ichi, ndimuzvinafundo wepa American University, Professor George Ayittey, avo vanorwira kodzero dzevanhu, pamwe nekuongorora zvematongerwo enyika. Va Ayittey vatsoropodza zvikuru zviri kuitwa nehurumende yaVaMugabe, vachiti zviri kuitwa naVaMugabe, zvinhu zvinonyadzisa vanhu vose venyika dzose dzemu Africa.

Vatiwo kupondwa kuri kuitwa vanhu, pamwe nekuramba kwanga kuchiita ZEC kubiditsa zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika, kunoratidza pachena kuti Va Mugabe vazvitadza, naizvozvo vanofanirwa kusiya chigaro chemutungamiri wenyika.

Mumwe wevaratidzira ndiVaCharles Mutama, nhengo yeMDC Washington Branch. VaMutama mumwe wevanhu vakabuda munyika mushure mekunge vatocherwa nyaya dzezve matongerwo enyika.

Svondo rapera, mutungamiri weWOZA, Amai Jenni Williams, vakaratidzira pamuzinda uyu nevamwe vavo vatatu, apo vaishanya muWashington. Mwedzi wapera zvakare, VaMutama, vakaratidzira pamuzinda uyu vari vega, vachikurudzira kuti mumiriri weZimbabwe muAmerica, Ambassador Machivenyika Mapuranga vasvitse shoko kuna VaMugabe rekuti vaburitse zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika, uye kumisa kupondwa pamwe nekushungurudzwa kuri kuitwa nhengo dzeMDC.

Mutori wenhau dzeStudio7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaMutama, avo vanoti kuratidzira kwavo inzira yekuudza mumiriri weZimbabwe muAmerica, Ambassador Machiwenyika Mapuranga, kuti vaudze VaMugabe kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica, hazvisi kufara nezviri kuitika munyika.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG