Accessibility links

Breaking News

Munyika Moramba Muchiitika Mhirizhonga


Mhirizhonga iri kuramba ichiendera mberi munyika sezvo vanhu vari kurohwa nevatsigiri veZanu PF uye misha iri kupiswa.

Mapurisa emuBindura kuMashonaland Central Province, anonzi neMuvhuro akasunga imwe nhengo yeMDC nekubvuta motokari yebato iri, vachiti iri kushandiswa mukuitwa kwemhirizhonga nevatsigiri veMDC mudunhu iri.

Mudunhu iri misha mizhinji iri kuramba ichipiswa. KuShamva South, mimwe misha inonzi yapiswa kwaBushu. Ukuwo kuBindura North, mimwe misha yapiswa pane rimwe purazi.

Imwe nhengo yeMDC muBindura, VaSaymore Mhene, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti chiri kuvarwadza ndechekuti nhengo dzavo ndidzo dziri kusungwa nemapurisa kana dzaenda kunomhang'ara kushungurudzwa kwadziri kuitwa.

Zvichakadaro, mutumbi wenhengo yeMDC yekwaRusape, Amai Thabitha Marume, avo vakapfurwa vakafa nevatsigiri veZanu PF svondo rapera, watorwa kubva kuimba yerunyararo maMutare, uye vari kutarisirwa kuradzikwa neChishanu kumusha kwavo kwaRusape.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata hama yemufi, Amai Venencia Mhindugwa, avo vati vari kurwadzikana zvikuru sezvo vakapfura hama yavo vari vanhu vavari kuona mazuva ose, mapurisa asina matanho aari kutora.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG