Accessibility links

Breaking News

Magwaro eZEC Anoti VaTsvangirai Vakakunda Musarudzo yeMutungamiri weNyika


Sangano re Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, rapa vamiriri vevatungamiri vemapato akakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika zvayakawana musarudzo iyi. Magwaro apihwa vamiriri vevatungamiri vakakwikwidza musarudzo iyi, anoratidza kuti mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakakunda mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe.

Kunyange hazvo zvakabuda musarudzo iyi zvisati zvaudzwa veruzhinji, Studio7 yaudza nevane ruzivo kuti VaTsvangirai vakawana 47%, ukuwo VaMugabe, vakawana 43%.

Pasi pechibvumirano chakaitwa neZEC nemapato ezvematongerwo enyika, mapato asiri kuwirirana nezvine ZEC, akasununguka kuuya nezvaakawana, uye anosungirwa kugutsawo ZEC kuti akawana seyi zvaanenge akawana. ZEC inoti mapato ose achaenderera mberi neChishanu achipawo zvaanofunga kuti ndizvo zvakabuda musarudzo iyi. Izvi zvinoitwa chete kana mapato aya aramba kutambira zvaburitswa neZEC.

Pasi pebumbiro remitemo yenyika, zvabuda neZEC zvinoreva kuti sarudzo iyi ichadzokororwa zvakare, sezvo pasina akawana 50% nevhoti imwe chete pamusoro, kana kuti 50% plus one vote. As MDC inoti haisi kutambira zvabuda neZEC, nekuti VaTsvangirai vakakunda zvine mutsindo zvisingadi kuti sarudzo iyi idzokororwe zvakare.

VaTsvangirai vanga vakamirirwa naVaChirs Mbanga, pamwe naVaMorgen Komichiti. VaMugabe vanga vakamirirwa naVaEmmerson Munangagwa. Vakakwikwidza vakazvmirira, VaSimba Makoni, pamwe naVaLangton Toungana, vanga vakazvimirira.

Munyori mukuru webato iri, VaTendai Biti, vanoti bato ravo rakakunda, uye pane mutemo pasi pemutemo wesarudzo, kana kuti Electoral Act, unoti anenge akunda ndiye anobva aitwa mutungamiri wenyika. Zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika, zvatora masvondo mana kuti zvisati zvaburitswa kune veruzhinji neZEC.

Blessing Zulu weStudio7 aita hurukuro nemutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, kuti tinzwe pane bato ravo pane zvaburitswa neZEC, izvo zvisati zvaviswa veruzhinji.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7 ...

XS
SM
MD
LG