Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Inoenderera Mberi Munyika


Mhirizhonga, iyo iri kukonzerwa nevatsigiri veZanu PF, mauto pamwe nevanozviti vakarwa hondo yerusunguko, iri kuitika mumatunhu akawanda munyika. Vanhu vazhinji vanonzi havachina pekugara mushure mekuparadzirwa misha, zvipfuyo uye matura avo.

NeChipiri manheru, imwe nhengo yeMDC kuHeadlands, yakarohwa nevatsigiri veZanu PF, ikatorerwa mari inoita $2,8 billion. Mashoko atiri kutambira anotiwo, Zanu PF iri kuramba kutambira kanzura weMDC akasarudzwa nevanhu muWard 32 kuHeadlands.

Zanu PF inonzi iri kurova pamwe nekushungurudza nhengo dzeMDC kwaRusape kuManicaland. Ukuwo kuMasvingo paNyika Growth Point, nhengo dzeMDC dziri kutorerwa maT-shirts, vamwe vachipambwa pamwe nekurohwa nevatsigiri veZanu PF.

Vari kupambwa vanonzi havasi kuzivikanwa kuti vari kupi. Izviri zviri kuitikawo kuMatabeleland North, zvikuru kuVictoria Falls, uko kuri kurohwa vanhu vachinzi vakavhotera MDC.

MuNkayi, vatsigiri veZanu PF vari kufuvisa vatsigiri veMDC. Izvi zviri kuitikawo kuZhombe kuMidlands pamwe nekuShurugwi. Mashoko atatambira anoti nhengo yeMDC, VaMichael Dube, vakavigwa neMuvhuro kuShurugwi, mushure mekurohwa zvakaipisisa nevatsigiri veZanu PF.

Muchakabvu Dube vaibva mubhuku rekwaPoshai kuTongogara, muShurugwi. Zviri kuitika zvinoratidza kuti mativi mana ose enyika, azara nemhirizhonga.

Izvi zviri kurwadza sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, kana kuti ZCTU. Sangano iri rinoti riri kushushikana zvikuru nekushungurudzwa kuri kuitwa vanopikisana neZanu PF, zvikuru mumaruwa. Mugwaro raraburitsa, sangano iri rinoti riri kukurudzira Zanu PF kuti imise kushungurudzwa kwevanhu uku, sezvo izvi zvikaramba zvichiitika, zvichizokonzera kusagadzikana mukati menyika.

Munyori mukuru weZCTU, VaWellington Chibebe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vari kushandawo nemasangano evashandi ekunze mukuedza kumisa kupinnzwa kwezvombo kana mari zvinozoshandiswa pakushungurudza vanhu.

Zvichakadaro, mashoko atiri kutambira anoti mumwe murume aitsigira MDC uye achishanda paArda Estate kuMuzarabani, VaCrispen Tayero, vakapondwa musi weSvondo. Vatayero vanonzi vakasiya mudzimai nevana vashanu, uye mutumbi vavo unonzi uchiri kuimba yerunyararo paSt Albert Mission.

Shamwari yaVaTayero, VaTineyi Tembo, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mhirizhonga iri kuwedzera mudunhu reMuzarabani.

Zvichakadaro, sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Loirdham Moyo, vatsigiri veMDC vanopfuura makumi matatu, vari kurapwa muzvipatara zvemaMutare mushure mekurohwa nevatsigiri veZanu PF.

Dzimwe Khau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG