Accessibility links

Breaking News

United Nations Security Council Inozeya Nyaya yeZimbabwe


United Nations Security Council yakurukura neChipirii nyaya yekurohwa kwevanhu muZimbabwe, uye kusaburitswa kwezvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, pamwe nemunyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muMDC, Professor Elphas Mukonoweshuro, ndivo vange vakamirira MDC kuUN. VaBiti vanoti vakumbira U-N kuti itumire nhumwa kuZimbabwe, vachiti Africa yainge yakundiukana kugadzirisa dambudziko iri.

Under Secretary General mubazi rezve matongerwo enyika muUN, VaB. Lynn Pascoe, ndivo vakapira Security Council nyaya yeZimbabwe iyi. Vamwe vakuru vanoona nezve kuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu muUN kuGeneva, Switzerland, vakazivisawo kuti vari kushushikana zvikuru nekurohwa kwevanhu muZimbabwe.

Ukuwo makurukota ezvekunze mu European Union, akatiwo nyika dzepasi rose, dzinofanira kutemera Zimbabwe zvirango zvekusaitengesera zvombo zvehondo, uye kuomesera vanhu vari kuponda vanhu muZimbabwe.

Asi munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muhurumende yaVaMugabe, VaGeorge Charamba, vanoti vanhu veZanu-PF ndivo vari kutorohwa neveMDC. Vanoti mapurisa nemauto vachashandiswa pakudzivirira mhirizhonga iyi.

VaOtto Saki gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights.

VaSaki vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti musangano uyu wakakosha zvikuru sezvo uchiratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG