Accessibility links

Breaking News

ZESN Yodzungudza Musoro Nekuverengwa Patsva Kwezvakabuda Musarudzo


Kuverengwa patsva kwezvakabuda musarudzo dzemuna Kurume, kuchiri kuenderera mberi mune dzimwe nzvimbo, asi vanoongorora sarudzo vakazvimirira voga, vanoti zviri kuratidza kuti hapana zvizhinji zvashanduka pane zvakabuda pekutanga, uyezve MDC iri kutonzi iri kutowana mavhoti akati wandei kupfuura zvavakawana mune dzimwe nzvimbo.

Pane zvabuda iye zvino, MDC yakakunda zvakare muZaka West nekuGutu, uko kwakakundwa General Vitalis Zvinavashe.

ZESN inotiwo haisi kufara nezviri kuitwa sezvo vari kongorora sarudzo idzi, vari kusungwa nekushungurudzwa vari pakati pekuita basa rekuverenga zvakabuda musarudzo izvi.

Mutori wenhau weStudio7, Carole Gombakomba, aita hurukuro nasachigaro veZESN, VaNoel Kututwa, avo vanoti zviri kuvashamisawo kuti danho iri riri kutorerwei, kana zviri kubuda mukuverengwazve kwesarudzo, zvakada kufanana nezvakabuda pekutanga.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG