Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoita Zvehutsinye Zvichitevera Kukundwa Musarudzo


Vatsigiri veZanu PF vanonzi vari kuramba vachiumba makamba ekushungurudzira vanopikisana naVaMugabe pamwe nebato ravo reZanu PF.

Makamba aya anonzi ava munzvimbo dzakaita seChiguhune kuGutu West, uko kunonzi veruzhinji havachakwanisi kufamba vakasununguka. Mamwe mashoko anoti makamba aya aitwawo munzvimbo dzinoti Kenzamba Primary School kuMakonde, Mashonaland West nepaMasosone Primary School kuGokwe, mudunhu reMidlands.

KwaGutu, vechidiki veZanu PF nevanozviti vaive varwiri vehondo yerusununguko, vanonzi vari kushungurudza chembere nevana vadiki.

Nhengo yeMDC, VaStanley Manguma, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vari kubatsira vari kukuwadzwa nekuvanedesa kuzvipatara. Ukuwo, vamwe vevanhu vakaroverwa nyaya dzematongerwo enyika kuMuzarabani, kuMashonaland West, varapwa muHarare.

Vanhu vabvakuMuzarabani vaudza Slyvia Manika kuti vakarohwa zvakaipisisa nemasoja achibatsirwa nevechidiki veZanu PF nemusi weChipiri uye mumwe wavo akafa.

Zvichakadaro, sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti riri kukurudzira nhengo dzaro dzinoshandira munzvimbo dzisina kugadzikana, kuti dzimire kudzokera kumabasa kusvika zvinhu zvanaka kana kuti vavimbiswa kuchengetedzwa nehurumende.

Sangano iri rinoti varairidzi vari kushungurudzwa vachinzi ndivo vakakonzera kuti VaMugabe vakundwe musarudzo. Varairidzi vanofanirwa kunge vatotanga kudzokera kuzvikoro zvavanodzidzisa sezvo zvikoro zviri kuvhurwa nemusi weChipiri svondo rinouya.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vatonyorera hurumende tsamba vachiizivisa nezvedanho ravari kuda kutora panovhurwa zvikoro, kana zvinhu zvisina kugadzirisika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG