Accessibility links

Breaking News

Machechi Onetsekana Nekushungurudzwa Kuri Kuitwa Veruzhinji


Vatungamiri vemachechi vasangana muHarare vakazivisa kuti kushungurudzwa kuri kuitwa nhengo dzebato rinopikisana naVaMugabe, kungangokonzera kupondana kwevanhu vakawanda munyika, kana zvinhu zvikasagadziriswa nechimbichimbi.

Vatungamiri vemachechi ava, avo vari pasi pemasangano akasiyana siyana, vanoti vari kutyira kuti vatsigiri veMDC, avo vari kushungurudzwa vakanyarara, vangangozofungawo zvekudzosera, izvo zvingazoita kuti padeuke ropa rakawanda.

Kushungurudzwa kwevanhu nevatsigiri veZanu PF kuri kuenderera mberi munyika yose, uye zviuru nezviuru zvevanhu hazvisisina pekugara. Vanhu vaviri vakarohwa zvakaipisisa kuGutu West neMugovera, vaendeswa neChipiri kuchipatara chiri muHarare kuti vawane rubatsiro nekukasika.

Mutevedzeri wemutungamiri we MDC, Muzvare Thokozani Khupe, vashanyirawo muzvipatara vachisangana nevakakuwadzwa nevatsigiri VeZanu PF ava. Bato ravo rinoti ranyorawo tsamba kumachechi ari munyika, richaakumbira kuti vanamatire dambudzko riri munyika, kuitira kuti ripere murunyararo.

Mutauriri wevatungamiri vemachechi aya, Bishop Ancelmo Magaya, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vari kushanyirawo nyika dzemu Africa vachitsvaga rutsigiro rwekupedza dambudziko rapinda munyika.

Ukuwo, masangano akazvimirira oga anoti ave kutanga kutora matanho ekuzeya kuti oita sei pakuedza kubatsira vanhu vari kurohwa kana kuparadzirwa misha yavo nenyaya dzezvematongerwo enyika.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu aya, anoti zuva nezuva huwandu hwevanhu vakatarisana nedambudziko iri huri kuwedzera. Vanhu vanodarika mazana matatu vakaendeswa kuzvipatara uye vamwe vavo vakakuvara zvakanyanyisa zvekutoti vari kutarisirwa kuitwa maoparesheni uye vamwe vanonzi vave kugara musango.

Carole Gombakomba weStudio7 aita hurukuro naVaAlois Chaumba, sachigaro weZimbabwe Peace Project, uyezve vari National Director weCatholic Commission for Justice and Peace kuti tinzwe zvizere.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG