Accessibility links

Breaking News

Biti: Vanhu Vakawanda Vari Kutiza Misha Yavo Vachinotsvaga Pekugara


Kushungurudzwa kwenhengo dzebato reMDC nevatsigiri veZanu PF kunonzi kuri kuramba kuchiwedzera munyika, uye vanhu vakawanda vanonzi havachina pekugara sezvo misha yavo iri kuparadzwa pamwe nezvipfuyo zvavo.

KuManicaland, vanhu vanodarika mazana maviri, vazhinji vavo vari vashandi vemumapurazi, vanonzi vakaungana pamahofisi ebato reMDC maMutare, mushure mekutiza misha yavo.

KuShamva, mudunhu reMashonaland Central, Uzumba neMaramba-Pfungwe kuMashonaland East, misha yevanofungidzirwa kuti vatsigiri veMDC, iri kupiswa uye vanhu vaviri vanonzi vakatopondwa kuPfungwe.

KwaGutu, kuMasvingo, vechidiki veZanu PF vanonzi vakarova zvakaipisisa mumwe murume ane makore makumi masere nematanhatu ekuberekwa, uye mumwe mudzimai akazvitakura anonzi akabaiwa baiwa dumbu, mwana akafira mudumbu. Bato reMDC rinoti vanhu vanodarika zviuru zvitatu havachina misha pari zvino.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti dambudziko iri rava kutoda masangano ekunze akaita seUnited Nations neRed Cross kuti abatsire sezvo bato ravo rava kuremerwa.

Zvichakadaro, vemasangano akazvimirira oga vanoti huwandu hwevanhu vari kutiza misha yavo, vari kurohwa, kana kutsakatika huri kuwanda zuva nezuva. Munyori mukuru weMDC, Vatendai Biti, vanoti nhengo dzebato ravo dzinodarika gumi nevaviri dzakauraiwa, uye vamwe vanodarika mazana mana, vakarohwa zvakaipisisa uye vamwe vari muhusungwa.

Pari zvino vamwe vamiriri vemasangano anorwira kodzero dzevanhu, vari kusangana muTanzania nemamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu mudzimwe nyika dzemuAfrica, kuti vazeye matambudziko akadai.

Carole Gombakomba weStudio 7 aita hurukuro naPastor Elphas Shangwa veNew Hope Foundation kuti tinzwe kuti vari kuona sei zviri kuitika izvi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG