Accessibility links

Breaking News

Masoja Anoenderera Mberi Nekushungurudza Vanhu Munyika


Gweta riri kumirira nhengo pamwe nevashandi veMDC vakasungwa kubva nemusi weChipiri, VaCharles Kwaramba vanoti mapurisa achiri kungosunga nhengo dzebato iri kunyange hazvo vamwe vavo vari kubhadhariswa mari dzefaindi.

Gweta iri, rinoti vamwe vevasungwa ava, avo vano sanganisira VaLuke Tamborinyoka, VaKudakwashe Matibiri nemutori wenhau Frank Chikowore, vave kupomerwazve mhosva yekuda kuponda, zvichitevera imwe mhosva yavari kupomerwa yekupiswa kwebhazi kuWarren Park, mangwanani emusi weChipiri.

VaKwaramba vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vasungwa ava vari kuratidza kuti havana ruzivo nezve mhosva yavari kupomerwa iyi.

Zvichakadaro, kuChikomba West kuMashonaland East, nhengo dzeMDC dzinosvika nomwe dzinonzi dzakapambwa uye hadzisi kuzivikanwa kuti dziripi. Imwe nhengo yemuWard 8 VaLuke Mlambo vanonzi vakarohwa zvakaipisisa pane imwe kamba yakaiswa neveZanu PF ava papurazi reDaybrook.

Ukuwo, mutungamiri weZimbabwe Union of Journalists, VaMathew Takaona vanoti vakarohwawo zvakaipisisa nemasoja neChina manheru paChikwanha muChitungwiza, mushure mekunge vamira kuti vatsvage zvinwiwa.

VaTakaona vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mushure mekurohwa zvakaipisisa nezvamboko pamwe nematanda, masoja aya akazovabira mari yavaive nayo inoita $1.6 billion, ndokuzonzi vaende.

Ukuwo, vanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu vanoti varikuona nyaya dzakawanda dzevanhu varikurohwa nekukuvadzwa zvakanyanya munyaya dzezvematongerwo enyika.

Sachigaro weZimbabwe Association of Doctors for Human Rights Doctor Douglas Gwatidzo, vaudza Carole Gombakomba weStudio7 kuti iye zvino vanhu vanoraudzira mazana maviri varikutsvaga rubatsiro rwekurapwa.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG