Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeSouth Africa Yovandudza Mafungiro paKudyidzana NaVaMugabe


Hurumende yeSouth Africa iyo yaimbenge ichitsigira hurumende yaVaMugabe panyaya yesarudzo nezvimwe yave kuchinja mafungiro ayo.

Dare remakurukota remuSouth Africa rinoti mamiriro ezvinhu muZimbabwe haana kunaka uye vanhu vanofanira kuziviswa zvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika nechimbichimbi.

Izvi zvinosiyana nemashoko emutungamiri wenyika iyi VaThabo Mbeki avo vasimba nerekuti muZimbabwe hamuna dambudziko rakanyanya uye kuti ZEC inofanira kupihwa nguva yekuti inyatso donongodza zvakabuda musarudzo.

Munyori mukuru wANC VaGwede Manthashe vaudzawo Studio 7 kuti ANC haisi kufara nezviri kuitika muZimbabwe uye zvichakonzera kusagadzikana kwezvinhu munyika dzekuchamhembe kweAfrica.

VaTapera Kapuya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye variCordinator weNCA kuSouth Africa vaudzamutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti VaMbeki vasiyiwa pamhene nekuti zvave pachena kuti VaMugabe hapana achada kushanda navo.

Zvichakadaro mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai vanoti mutungamiri wehurumende yeSouth Africa VaThabo Mbeki vanova mutongi gava pakati peZANU-PF neMDC vanofanira kusiyira basa iri kunaVaLevy Mwanawasa vekuZambia nekuti vakundikana kuita basa iri.

Izvi zvinotevera mashoko aVaMbeki ekuti muZimbabwe hamuna dambudziko kunyangwe hazvo MDC iri kuti vatsigiri vayo varikurohwa uye vamwe vakatofa nemhirizhonga iri kuitika munyika.

Carole Gombakomba weStudio aita hurukuro nemutori wedu wenhau Derek Moyo anga ari pamusangano waita VaTsvangirai uyu nevatori venhau muSouth Africa.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG