Accessibility links

Breaking News

Mumiriri WeAmerica MuZimbabwe NeDzimwe Nyanzvi Vozeya Zvinoreva Zuva ReKuwana Kuzvitonga Zvizere


Mumiriri wenyika yeAmerica muZimbabwe, VaJames McGee, vanoti apo Zimbabwe iri kucherechedza makore makumi maviri nemasere yawana kuzvitonga, vanhu vazhinji munyika havana chekupemeberera nekuti vari kugara vachitya pamwe nekusaziva kuti nyika yananga kuti.

Mutori wedu wenhau Irwin Chifera anotipa nyaya inotevera...

Vagari vemaMutare vanoti kusaziviswa kwezvakabuda musaudzo dzemutungamiriri wenyika kwamisa kufamba zvakanaka kwemabasa munyika uye kuronga ramangwana rakajeka munyika yose. Vagari ava vanoti kusapiwa masimba kwevakasarudzwa kuva makanzura uye maseneta, nevamiriri veparamende kwapa kuti zvinhu zvidzokere kumashure.

Mutori wedu wenhau Loirdham Moyo anotipa nyaya iyi…

Zvichakadaro nyanzvi munezvematongerwo enyika dzinoti voruzhinji havambofa vakawana rusununguko zvisineyi nekuti nyika yakawana kuzvitonga kubva kune vechichena.nyanzvi idzi dzinoti vashoma chete, vebato ririkutonga nevavanodyidzana navo, ndivo varikupemberera zuva iri.

Mutori wenhau weStudio 7,Brenda Moyo ataura naDirector ve sangano re National Constitutional Assembly Va Earnest Mudzengi avo, vanoti chakashanduka chete iganda remudzvanyiri.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG