Accessibility links

Breaking News

United Nations Inozeya Nyaya yeZimbabwe


Munyori mukuru weUnited Nations VaBan Ki-Moon neChitatu vakati varikushushikana zvikuru nezviri kuitwa nehurumende yaVaMugabe yekusaburitsa zvakabuda musarudzo.

Vati vave kutyira kuti zvinhu zvikaramba zvakaita manyama amire nerongo zvinogona kukonzera mhirizhonga.

Security Council yeUnited Nations yasangana neChitatu ikakurukura nyaya yeZimbabwe uye dzimwe nyaya kunyangwe hazvo South Africa yaimbenge yaramba kuti Zimbabwe itaurwe nezvayo.

Mutungamiri wehurumende yeBritain VaGordon Brown vayambirawo VaMugabe kuti ivo nedzimwe nyika havasi kuzopeta maoko vachirega Zanu-PF ichibirira sarudzo.

Asi United Nations, Britain, America neFrance dzakati nyaya yeZimbabwe haifaniri kuti ingosiyiwe sezvo pachityirwa kuti munyika mungangodeuka ropa.

VaJoy Mabhenge vanoongorora nezvematongerwo enyika vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti zvaitwa neUN zvinhu zvakakosha zvikuru.

Asi mumiriri weZimbabwe kuUnited Nations VaBoniface Chidyausiku vaudzawo mutori wenhau Blessing kuti havana kufara nezviri kuitwa neBritain neAmerica zvekuda kuomesera Zimbabwe.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG