Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi VepaNUST Nevemasangano Akazvimirira Voratidzira MuBulawayo nekuSouth Africa


Makirike emuBulawayo nhasi aita munamato wekunamatira zviri kuitika munyika, uye vadzidzi vepaNUST varatidzirawo, vachiti varikutsigira danho rakatorwa neMDC rekuti vanhu varamwe mabasa kuratidza kusafara nekusaziviswa kwezvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika.

Carole Gombakomba weStudio 7 aita hurukuro nemutori wedu wenhau Netsai Mlilo, kuti tinzwe zvaitika muguta iri nhasi.

Zvichakadaro vanhu vemu Zimbabwe vanoraudzira mazana mashanu, varatidzira nhasi pamuzinda wemumiriri weZimbabwe muSouth Africa kuPretoria.vachibva ipapo vazoenda kumuzinda weUnited Nations uko vaendesa magwaro ekunyunyuta kwavo panyaya yekuti hurumende irikuramba kuzivisa vanhu zvakabuda musarudzo, pamwe nekushungurudzwa kuri kuitwa vanhu nemauto,mapurisa nevechidiki veZANU-PF.

Carole aita hurukuro naMuzvare Grace Kwinje, vakabata chigaro chesangano re Global Zimbabwe Forum, vakaronga kuratidzira uku, kuti tinzwe zvizere.

Dzimwe nhau kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG