Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Vatsigiri Vayo Vana Vakaurayiwa neVeZanu-PF


Bato reMDC rinoti pane vatsigiri varo vana vaurayiwa kusvika parizvino nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.

Mutauriri weMDC vaNelson Chamisa vati vane mazita aVaThemba Muronde vekuMudzi uye VaTapiwa Mbwanda vekuMashonaland West.

VaChamisa vati vachiri kuongorora nezvevamwe vaviri. Izvi zvinoteverawo mashoko ekuti vatsigiri veZanu-PF vanosanganisa mamwe mauto nevaimbova varwiri verusununguko vamuka chibhebhenenga vachirova uye kupisa misha nezvipfuyo zvevatsigiri veMDC, madzimai , vana uye mhuka vanonzi varikuoneswawo chitsvuku nevatsigiri veZanu-PF ava.

Izvi zvinonzi zviri kuitika kuMudzi, kuManicaland, Mashonaland Central uye Masvingo.

VaKubvoruno Choga vanoona nezvekufambiswa kwemabasa kuMashonmaland East uye vari muhupoteri vanoti vanhu vakawanda vasiya misha nekuda kwekushungurudzwa.

Sangano reZimbabwe Peace Project rinotiwo kushungurudzwa kwevatsigiri veMDC neavo vanofungidzirwa kuti varikupokana nehutongi hweZANU-PF kuri kuramba kuchienderera mberi.

Director veZPP Muzvare Mukoko vaudza mutori wenhau weStudio 7 Ntungamili Nkomo kuti varikutyira kuti kushungurudzwa kuri kuitwa vanhu uku, kungangoita kuti vanhu vakawanda vakuvadzwe kana kuuraiwa sezvakamboitika pasarudzo dzakaitwa muna 2002 .

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG