Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoenderera Mberi Nekuona Vatungamiri veSADC


Mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai neMuvhuro vakaita musangano navaimbova mutungamiri weMozambique VaJoaquim Chissano uye varikutarisirwa neChitatu kuti vasangane nemutungamiri wenyika VaArmando Geubuza.

Kunyangwe hazvo mutungamiri weSouth Africa VaThabo Mbeki vachiti muZimbabwe hamuna matambudziko, mutauriri wedare reparamende yenyika yeSouth Africa Amai Baleka Mbete vanoti zviri kuitwa nehurumende yaVaMugabe zvinhu zvinoshoreka uye zvinoratidza kuti munyika hamuna hutongo hwejechetere.

VaEliphas Mukonoweshuro ndivo munyori munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti mashoko aVaMbeki anoodza moyo.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG