Accessibility links

Breaking News

MDC Inoudza Vanhu Kuti Vasaenda kuMabasa neChipiri


Vechidiki nemadzimai vebato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, vaita misangano yakasiyana muHarare, vachitsigira danho rakatorwa nedare repamusoro rebato ravo nemusi weChina, rekuramba kuverengwa patsva kwemavhoti, uye kuitwa zvakare kwesarudzo yemutungamiri wenyika.

Misangano iyi yatsigirawo danho rekuti vanhu vagare kudzimba dzavo nemusi weChipiri kana zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika zvisina kunge zvaziviswa.

Sachigaro wevechidiki mubato iri, VaTamsanqa Mahlangu, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vari kushushikanawo nezvava kuitwa nevechidiki veZanu PF pamwe nevakarwa hondo yerusununguko avo vanonzi vari kushungurudza vanozivikanwa kuti vakavhotera bato reMDC.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG