Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vokokwa kuMusangano weVatungamiri veNyika Dziri muSADC


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakokwa neSADC kuti vapindewo mumusangano wekuzeya Zimbabwe, uyo uchapindwa nevatungamiri venyika dzemuSADC.

Kukokwa kwaVaTsvangirai kunoitika mushure mekunge vapinda muhurongwa hwekuita hurukuro nevatungamiri veSADC. Mumazuva maviri apfuura, VaTsvangirai vakaita musangano nemutungamiri mutsva weBotswana, Va Seretse Khama Ian Khama, uye neChina vaitarisirwa kutaura nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, kuti vazeye pamwe nekutsvaga nzira dzingapedze dambudziko rakatarisana nenyika.

Mutungamiri weZambia, uye vari sachigaro weSADC, VaLevy Mwanawasa, vakadaidzira vatungamiri veSADC kuti vauye kumusangano wechimbi chimbi kuLusaka, uko vachange vachizeya nyaya yeZimbabwe.

VaTsvangirai vaudza mutori wenhau dzeStudio7, Blessing Zulu, vachanopa divi ravo pamusangano uyu. Ukuwo national Director weNCA, VaEarnest Mudzengi, vaudza Blessing Zulu kuti zvaitwa neSADC zvekukoka VaTsvangirai ndizvo chaizvo zvingapedze dambudziko iri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG