Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vodzorazve Dare reMakurukota Ravakanga Vaputsa


VaMugabe vari kuratidza kunge munhu abatwa nechadzimira, zvichitevera kugadzwa zvakare kwedare remakurukota, iro vakanga vaparadza zuva rimwe sarudzo dzisati dzaitwa.

Gurukota rinoona nezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, pamwe negurukota rinoona nezvekufambiswa kwemashoko, VaSikhanyiso Ndlovu, vanoti sezvo pasina rimwe dare ragadzwa, zviri pamutemo kuti dare iri rishande kusvikira pagadzwa rimwe dare.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kudzoserwa kwedare remakurukota hurumende itsva isati yagadzwa, zvinoratidza kuti hurumende yaVaMugabe haisi kukoshesa sarudzo dzakaitwa mwedzi wapfuura.

VaTinoziva Bere igweta, uye vari nhengo ye Law Society of Zimbabwe, pamwe neZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaBere kuti tinzwe kuti mutemo unoti kudii pane danho ratorwa nehurumende iri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG