Accessibility links

Breaking News

ZEC Inozivisa MDC Kuti Ichaverenga Patsva Mavhoti kuManicaland


Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai kuManicaland, rinoti ratambira tsamba kubva kuZimbabwe Electoral Commission ichivazivisa kuti ichaverenga zvakare mavhoti mumatunhu matatu anoti Chimanimani West, Buhera South neMutare West, ayo akakundwa Zanu PF neMDC.

Bato iri rinoti raziviswa kuti kuverengwa patsva kwemavhoti uku kuchatanga neMugovera.

Zanu PF yakanga yakamirirwa naVaJoseph Chinotimba kuBuhera West, kotiwo VaChristopher Mushowe vakakundwa kuMutare West. Mutemo wezvesarudzo unoti kana paine kupokana pane zvinenge zvabuda musarudzo izvo zvinozoita kuti mavhoti averengwe patsva, kunofaniorwa kuitwa mukati memazuva maviri.

Bato reMDC rakawana zvigaro makumi maviri nezvitatu muManicaland. Tatadza kubata ZEC kuti tinzwewo divi rayo.

Asi mutauriri weMDC muManicaland, VaPishayi Muchauraya, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti magweta avo akwidzawo nyaya iyi kumatare edzimhosva achikwikwidza danho iri.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG