Accessibility links

Breaking News

Kubvutwa kweMapurazi eVarimi Vachena Kopinza Nyika Mumatope


Kubvutwa kweminda kubva kuvarimi vechichena, kunonzi kuchiri kuenderera mberi munzvimbo dzakasiya siyana munyika.

Sangano reJustice for Agriculture rinoti chiri kunetsa ndechekuti vari kukundikana kutaura nevarimi vazhinji kuti vanzwe zviri kuitika kwavari.

NeChipiri manheru mumwe murimi wechichena kuBeatrice, anonzi akarohwa nevari kuzviti vaimbove varwiri verusununguko, nevechidiki veZANU-PF

Vanoongorora zviri kuitika vari kutyira kuti nyika icharasikirwa nemari yekunze yakawanda, pamwe nezvekudya, zveveruzhinji. JAG inoti pavarimi vekuCentenary vairima fodya, nyika inogona kurasikirwa nemari inosvika mamiriyoni gumi emadhora eku America.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba weStudio7, aita hurukuro nenyanzvi munyaya dzekurima, VaRoger Mpande, kuti tinzwe pfungwa dzavo pane zviri kuitika.

Mamwe mashoko atiri kutambira kubva kwaMutare anoti vashandi vemumapurazi akatenderedza Mutare, vari kushungurudzwa nevechidiki veZANU-PF, vachivapomera mhosva yekuvhotera MDC pasarudzo dzakaitwa mwedzi wapera.

Pane rimwe purazi, vechidiki ava vanonzi vapunza musiwo wepamba pa Organising Secretary veWard 23, ndokurova nhengo yeMDC iyi, pamwe nekutora bhuku ranga riine mazita enhengo dzeMDC.

Vechidiki veZANU-PF ava vanonzi vakavimbisa kushungurudza zvakanyanya vose vari kufungidzirwa kuti vakavhotera MDC pasarudzo dzevamiriri veparamende.

Varikuongorora zviri kuitika panyaya iyi pamwe nevarimi vechichena vacho, vanoti vari kutyira zvakare kuti vashandi vemumapurazi ose ari kubvutwa zvechisimba, vachadzingwa vakashaya pekugara.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG