Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Choratidzira Pamuzinda weMutungamiri weAmerica


Imwe nhengo yeMDC inogara kuTexas muno muAmerica, yapedza mazuva maviri ichigara panze pemuzinda wemutungamiri weAmerica, Va George Bush, uyo uri papurazi ravo riri ku Crawford mu Texas, ichiratidzira pane zviri kuitika muZimbabwe.

VaPhil Matibe vari kuti vanoda kuti VaBush vaendesewo zvichemo zvevanhu vemuZimbabwe, kuUnited Nations Security Council, kuti izive kuti vanhu havasi kufara nekusaburitswa kwezvakabuda musarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika.

Svondo rakapera chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaCharles Mutama, vakaratidzirawo zvakare vari pamuzinda weZimbabwe muAmerica, vachtiwo vanoda kuti zvakabuda musarudzo zvibuditswe pachena.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaPhillip Matibe, vanova mumwe wevanhu vakatanga MDC, kuti tinzwe kuti chii chaita kuti vatore danho iri.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG