Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Varwiri Verusununguko Voshaisa Mufaro Varimi Vachena


Vaimbove varwi vehondo yerusununguko muManicaland, vanyora tsamba yekuti vari kuzodzinga vose varimi vechichena vasara munyika pamwe nekutora makambani evekunze kwenyika.

Mutsamba iyi, mawar vets aya anoti vachena vachine mapurazi, vachademba nekutsigira kwavari kuita MDC.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Loirdham Moyo, veruzhinji vava kugara vakatya kushungurudzwa nevanhu ava.

Ukuwo kuMasvingo zvinhu hazvina kumira zvakanaka, sezvo vaimbove varwiriri verusununguko ava, pamwe nevechidiki veZANU-PF, vamuka chibhebhenenga mudunhu iri.

Sekutaura kuri kuita Irwin Chifera, vanhu ava vanonzi vatanga kubvuta mapurazi evarungu nechisimba.

Mukuzeya zviri kuitwa nema war vets aya, vanoongorora zvematongerwo enyika, vashora zvikuru zviri kuitwa nevaimbove varwiri verusununguko, pamwe nevechidiki veZANU-PF, avo vari kushandisa chisimba pakudzinga varimi vechichena vasara mumapurazi, pamwe nekushungurudza vanopikisa hurumende yeZANU-PF.

VaJohn Worsely-Worswick ve Justice for Agriculture, vaudza Studio 7 kuti pari zvino varimi vechichena gumi nevaviri, ndivo vadzingwa mumazuva maviri apfuura, asi vari kutyira kuti zviri kuenderera mberi, sezvo munyika masara mapurazi anosvika mazana mana ane varimi vechichena.

Mutori wenhau weStudio 7 Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaFarai Maguwu, avo vanoongorora zvematongerwo nezvenyaya iyi, uye vachishanda ne the Centre for Research and Development, kuti tinzwe maonero avo nyaya iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG