Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Inoti VaMugabe Vapindezve Musarudzo Kana Dzikadzokororwa


Dare repamusoro soro reZanu PF, kana kuti Politburo neChishanu yakasangana muHarare kuti izeye nyaya yekuti voita sei nenyaya yesarudzo.

Munyori munyaya dzekufambiswa kwemabasa muZanu-PF, VaDidymus Mutasa, vanoti Politiburo yakatenderana kuti VaMugabe vakwikwidze musarudzo yemutungamiri wenyika, iyo iri kutarisirwa kuitwa kechipiri.

Zanu PFyakabvumiranawo kuti ikwidze kumatare zvakabuda mune dzimwe sarudzo dzenhengo dzeparamende.

Nyaya yekuwedzera mazuva esarudzo dze run off yambosendekwa parutivi kunyange ichazozeyiwazve. Asi nyika dzakawanda dzekunze dziri kuti dai VaMugabe vaenda pamudyandigere, uye vamwe vari kutyira kuti munyika mungangoita mhirizhonga.

Mutungamiri weAmerica, VaGeorge Bush, neChishanu vakambotaurawo nemutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, avo vaive mutongi gava panyaya yeZimbabwe.

VaBush vanoti vari kutyira kuti munyika mungaite mhirizhonga, zvichitevera maitiro aVaMugabe pane zviri kubuda musarudzo. Vachitaura nevatori venhau, VaMbeki vati MDC ne Zanu PF dzinofanirwa kutambaira zvinenge zvaburitswa neZEC.

VaDewa Mavhinga igweta rinorwira kodzero dzevanhu.

VaDewa vaudza mutori wenhau,,Blessing Zulu, kuti vashamiswa nezvaitwa neZanu-PFnekuti kuverengwa kwemavhoti esarudzo dzemutungamiri wenyika, hakusati kwapera.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG