Accessibility links

Breaking News

Chingwa neUpfu Zvoshaikwa Munyika


Kushaikwa kwezvinhu zvekudya zvakaita seupfu, chingwa neshuga kunonzi kwatowedzera mushure mesarudzo.

Zvinhu izvi zvinonzi hazvisi kutowanikwa muzvitoro, izvo zvava kupa kuti pave nemitsetse mirefu yevanhu munzvimbo dzinenge dzanzi dziri kutengeswa zvinhu izvi, zvikuru pamisika mitema. 10 kg yeupfu inonzi iri kuita $400 million pamusika mutema, uye chingwa chiri kutengeswa ne$20 million.

Sarudzo dzisati dzaitwa, hurumende yaipomera vemabhizimusi mhosva yekusagadzira zvinhu kuitira kuti vanhu vaishore, uye vasaivhotera.

Asi vemabhizimusi vanotiwo haisi mhosva yavo, asi kuti kushaikwa kwemari yekunze nezvinodiwa pakugadzirwa kwezvinhu izvi, ndiko kuri kupa kuti zvinhu zviome.

Mutungamiri weZNCC, Amai Marah Hativagone, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti kunonokawo kuburitswa kuri kuitwa zvakabuda musarudzo kuri kuitawo kuti vemabhizmusi vasagadzikane.

Dzimwe nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG