Accessibility links

Breaking News

Kunonoka Kuburitswa Kwezvakabuda Musarudzo Kokonzera Kusagadzikana Munyika


Vagari vemuBulawayo vaswera zvekare hana dziri mumaoko vakangomirira kuti ZEC ishambadze zvakabuda musarudzo dzakaitwa pakupera kwesvondo. Ukuwo mapurisa anonzi ange achingotenderera pakati pegut, sekutaura kuri kuita Netsai Mlilo, uyo ari muBulawayo.

Ukuwo, sangano reSave Zimbabwe Campaign, rinotiwo harisi kufara nekunonoka kuri kuita ZEC kuburitsa pachena zvakabuda musarudzo.

Sangano iri rinoti zviri kuitwa neZEC zvinopa kuti vanhu vafungidzire kuti ZEC ine chikiribidi chairi kuda kuita nesarudzo idzi. Sangano iri ratiwo vanhu vemuZimbabwe vane kodzero yekuudzwa zvakabuda musarudzo idzi nekukurumidza.

Save Zimbabwe Campaign inoti ZEC inofanirwa kutambira mhosva, kana munyika mukaitika mhirizhonga nepamusana pekunonoka kuburitsa zvakabuda musarudzo kwairi kuita.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kunonoka kuburitsa zvakabuda musarudzo kuri kuitwa neZimbabwe Electoral Commission kunokonzera kuti vanhu vasagadzikana munyika, sezvo vanenge votyira kuti zvimwe pane kubiridzira sarudzo kuri kurongwa.

Masangano akapinda munyika kuzoongorora sarudzo, haanawo zvaati ataura pamusoro pechiitiko ichi. Mutauriri wekomiti yeparamende yeSADC, VaCharles Mubita, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo haritarisi zvekuburitswa kwesarudzo, asi kuti kugadzirirwa kwesarudzo, kuvhotwa uye kuverengwa kwemavhoti.

VaPedzisayi Ruhanya vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari programmes officer weCrisis in Zimbabwe Coalition.

Jonga Kandemiiri weStudio 7 aita hurukuro naVa Ruhanya kuti tinzwe zvavanofunga.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG