Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Haisi Kutambira Zvichabuda Musarudzo Kana VaMugabe Vakanzi Vakunda


Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, rinoti harisi kuzotambira zvichabuda musarudzo kana VaMugabe vakanzi vakunda sezvo riri kuti iro ndiro rakakunda.

Munyori mukuru weMDC, VaTendai Biti, vakaudza vatori venhau neMuvhuro kuti pane zvavainazvo, vari kuona sevakakunda. Asi vehurumende neZEC vanoti vanhu vose ngavamirire kunzwa kubva kuZEC.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio 7 kuti havasi kufara nekunonoka kweZEC kuburitsa zvakabuda musarudzo idzi.

Zvichakadaro, hurumende yeBritain, Germany uye European Commission, vakurudzira ZEC kuti iburitse zvakabuda musarudzo nechimbichimbi.

Mutungamiri wehurumende yeBritain, VaGordon Brown, vari kutarisirwa kutaura nevatungamiri venyika dzakasiyanya siyana, zvikuru vekuchamhembe kweAfrica, vachivakurudzira kuti vaudze Zimbabwe kuti iite zvido zvevanhu.

Sangano reElectoral Institute of Southern Africa, ratiwo kunotsa kuburitsa zvakabuda musarudzo, kunogona kuita kuti vanhu vafundge kuti pane kubiridzirwa kuchaitwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG