Accessibility links

Breaking News

AU Yoyambira Kuti Haitambiri Hurumende Inounzwa Nechisimba


Mutungamiri we sangano re African Union, iro riri kuongorora sarudzo dzemuZimbabwe, Va Ahmed Tejan Kabah, vanoti sangano ravo haritambiri hurumende inotora simba rezvematongerwo enyika nechisimba.

VaKabah, avo vaimbova mutungamiri weSierra Leonne, vanoti mamiriro akaita zvinhu munyika, anoratidza kuti sarudzo idzi dzichange dzakachena.

Izvi zviri kuenderana nemashoko eveSADC avo vari kutiwo vari kugutsikana nemamiriro akaita zvinhu munyika, panguva yekugadzirira sarudzo, uye vari kuona kuti sarudzo idzi dzichaitwa nemazvo.

VaFarai Maguwu, vanoongorora nezvematongerwo enyika uye vari executive director veCenter for Research and Development. VaMaguwu vanoti masangano akaita seAU neSADC ane dambudziko rekuti anouya atonyora nechakare zvichabuda musarudzo.

Mutori wenhau dzeStudio 7, Carole Gombakomba aita hurukuro naVaMaguwu kuti tinzwe pfungwa dzavo panyaya yevaongorori vesarudzo ava

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG