Accessibility links

Breaking News

Bindura Yombunyikidza Vashandi Vayo Vanopikisa Hurumende


Kanzuru yeBindura inonzi yakambomisa basa vashandi vanosvika vapfumbamwe. Vashandi ava vari kupomerwa mhosva yekuve nechekuita nemusangano wakaitwa munhandare yeChipadze nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, kutanga kwemwedzi uno.

Vashandi ava, avo vasina kuda kudomwa nemazita avo, vaudza Studio 7 kuti vakapiwa matsamba aya nemusi weChipiri svondo rino. Munyori weguta iri, VaPaison Mugogo, avo vakanga vambomiswawo basa nemhaka imwe cheteyo, vanonzi vakazodzingwa basa neChitatu.

Nhengo yeMDC inotungamirwa naVaTsvangirai muBindura uye vari kukwikwidza musarudzo dzemakanzura, VaDaniso Wakatama, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti zvakaitwa nekanzuru yeBindura izvi kupumha uroyi vose vanofungidzirwa kuti vanotsigira bato rinopikisa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG