Accessibility links

Breaking News

Vanoongorora Sarudzo Vojekesa Zvinofanirwa Kuitwa Pazuva reSarudzo


Vari kuongorora sarudzo vakazvimirira voga, vanoti vanhu vanofanirwa kunzwisisa kuti vachavhota sei musi weMugovera kuitira kuti mavhoti asatambiswe.

Masangano aya, anoti ari kushushikana kuti vamwe vanhu vanenge vachiri kuvhiringika nemafambiro esarudzo aya, sezvo aka kari kekutanga sarudzo ina dzichiitwa musi mumwe chete

Vanhu vachange vachizoshandisa ma ballot papers mana ane mavara akatsaukana.Vati vanhu vanofanira kucherechedza kuti mapaper ekuvhotera mutungamiri wenyika machena, emaseneta ndee green, evamiriri veparamende ndee blue, uye emakanzura anenge ari eyellow.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti mutemo wesarudzo unoti, vanhu havafanirwi kubva pama polling stations kusvikira vavhota.

Muhurukuro yavaita nemutori wenhau we Studio 7, Carole Gombakomba, mutauriri werimwe remasangano aya, reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMcDonald Lewanika, vatsanangura kuti zvichafamba sei nemusi wesarudzo uyu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG