Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Vatsigiri Vavo Vangwarire Kubirirwa Sarudzo


Vari kukwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika, VaMorgan Tsvangirai, VaSimba Makoni uye VaRobert Mugabe, vari kuenderera mberi nekutsvaga rutsigiro. VaTsvangirai vaudza vatsigiri vavo kuti vangwarira kubirirwa.

VaMakoni vapinda mumisha inogara veruzhinji muHarare inoti Highfield, Mbare neBudiriro.

Ukuwo mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vaenda kwaMutoko, Murehwa, Musami, pamwe nekuMarondera.

VaTsvangirai vanonzi vataura nezviuru nezviuru zvevanhu munzvimbo dzose idzi vachivakurudzira kuti vavhotere bato ravo.

VaTapiwa Tiribhoyi vanoshanda muhofisi yaVaTsvangirai vaudza mutori wenhau weStudio7 Blessing Zulu kuti vanhu varikuti vaneta naVaMugabe.

Zvichakadaro, sachigaro weNCA, Doctor Lovemore Madhuku, vambochengetedzwa nemapurisa muHarare neChitatu vachipomerwa mhosva yekusabuda mumugwagwa nekuchimbidza, apo mutungamiri weZanu-PF, VaMugabe, vange vachipfuura.

VaMadhuku vaudza mutori wenhau weStudio 7, Blessing Zulu, kuti mapurisa ari kungovashungurudza.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG