Accessibility links

Breaking News

VaMaridadi Vanoti Zanu PF Inotosunga Dzisimbe Gore Rino


Sarudzo dzegore rino dzinonzi dzaita kuti Zanu PF ishaye hope sezvo dzakasiyana nesarudzo dzemamwe makore apfuura.

Chekutanga chikuru chinonzi chiri kushaisa Zanu PF hope, kutsvaga mashoko akakodzera ekuti iudze vanhu pamusoro pemamiriro akaita zvinhu, sezvo nyika yananga kumawere.

Ukuwo mapato anopikisa anonzi ari kushandisawo kuoma kwaita zvinhu uku, mukutsvaga rutsigiro sezvo vari kuvimbisa vanhu shanduko.

Mukuti tinzwe maonero ari kuita vamwe, mutori wenhau uye vari nyanzvi mukufambiswa kwemashoko, VaJames Maridadi, avo vari muHarare vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanoona sarudzo dzegore rino sedzakafanana nedza1980, sezvo vanhu vaine tarisiro yekushandura zvinhu, sezvakaitika makore makumi maviri nemasere apfuura.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG