Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Yotsutsumwa Nekushungurudzwa Kwevanhu


Amnesty International yayambira kuti kunyange hazvo zviri kuratidzika kunge munyika mune runyararo panguva yekugadzirira sarudzo, kodzero dzevanhu dziri kuramba dzichityorwa.

Izvi zvabuda muongororo yesangano iri, iyo iri kuratidza kuti vanhu vari kushungurudzwa, kusungwa, kana kunyimwa zvekudya, vanhu vanopikisa hurumende yaVaMugabe.

Amnesty International iri kukurudzira mapurisa nehurumende kuti vashandise mitemo yakaita se Public Order and Security Act zvakaenzana kumapato ezvematongerwo enyika, kwete kungoshandisa mitemo yakadai kune vanopikisa chete.

VaSimeon Mawanza ndivo vanoongorora zviri kuitika muZimbabwe mu Amnesty International kumuzinda wesangano iri mu London.

Mutori wenhau weStudio 7, Carole Gombakomba, aita hurukuro naVaMawanza kuti tinzwe zvizere nezveongororo yavo iyi.

Dzimwe Nhau Kubva ku Studio 7...

XS
SM
MD
LG