Accessibility links

Breaking News

Retired Colonel Dube Vanoyambira Zanu PF Kuita Zvido Zveveruzhinji


Mutungamiri weZimbabwe Defence Industries uye vari nhengo yeZanu PF iri kukwikwidza musarudzo dzekutsvaga mumiriri weMakokoba muparamende, Retired Colonel Tshinga Dube vanoti bato ravo reZanu PF rinofanirwa kutambira zvinenge zvabuda musarudzo dzichaitwa mukupera kwesvondo.

Vachitaura nebepanhau reZimbabwe Standard, VaDube vanonzi vakati hazviyamure kuti vanhu vaite sarudzo dzavanozoramba kutambira zvinenge zvabudamo, zvisineyi kuti vakunda here kana kuti vakundwa.

VaDube vadzokororawo mashoko avo aya kuStudio 7, vakati aya ndiwo maonero avowo.

Mashoko aVaDube aya anopikisana nemashoko akataurwa nevamwe vakuru vemauto pamwe nemapurisa, avo vakati havatambiri kuti vatungamiri vemapato anopikisa, vatonge muZimbabwe.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanofunga kuti VaDube vakataura mashoko aya nemwoyo wese kuitira kuti vari munyika vasafunge kuti mauto ose ari kutsigira mashoko akataurwa nemukuru wemauto VaConstantine Chiwenga, avo vakatiwo havafi vakasaruta vanopikisa hurumende kana vakakunda musarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG