Accessibility links

Breaking News

Mitengo Yezvinhu Yokwira Zvakanyanyisa


Mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira zvokuti veruzhinji vava kutadza kutenga zvinhu zvekushandisa mudzimba. Ukuwo zvekudya zvinonzi zvatanga kushaikwa muzvitoro, asi zvichiwanikwa pamukoto nemutengo wakakwira zvakanyanya.

Hupfu hunofanira kuita Z$10 million 10 kg, hwava kuita $Z150 million , kana kudarika.

Mitengo yemichovha iri kurambawo ichikwira. Mishonga yema arvs inodiwa kushandiswa pamwedzi, yakwira kubva pa Z$30 million muna ndira kusvika pa Z$1, 3 billion mwedzi uno.

Hurumende inoti mitengo iyi haifanirwe kukwidzwa pose pose zvisina mvumo yehurumende.

VaGodwills Masimirembwa ndivo sachigaro weNational Incomes and Pricing Commission, sangano rinoona nezvekuremekedzwa kwemitemo yemitengo yezvinhu.

VaMasimirembwa vaudza mutori wenhau weStudio7 Blessing Zulu kuti vanotyora mitemo vachasungwa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG