Accessibility links

Breaking News

Mamiriro eSarudzo Munyika Okurukurwa Nezvawo


Masangano akazvimirira oga asangana neChishanu nevaongorori vesarudzo vanobva kuSouth Africa, pamuzinda weSouth Africa muZimbabwe.

Vakuru veZimbabwe Electoral Support Network, National Association of Non-Governmental Organisations, kana kuti NANGO, pamwe neZimbabwe Peace Project, vasangana nevaongorori vesarudzo veku South Africa vanosvika makumi matatu.

Vamiriri vemasangano emuZimbabwe vanoti havasi kufara nefambisirwo ari kuitwa nyaya dzesarudzo naVaMugabe. Vatiwo kuchinjwa kwemitemo yesarudzo kuri kuitwa naVaMugabe, kuchapa kuti vanhu vasatambire zvichabuda musarudza idzi.

Patience Rusere weStudio Seven aita hurukuro nenhengo yeboard reNANGO, VaJohn Chitekuteku, kuti tinzwe zvaitika pamusangano wavo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG