Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vokurudzira Vanhu Kuti Vavhotere Bato Ravo


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, neChishanu vange vari muManicaland vachitsvaga rutsigiro.

VaTsvangirai vakaenda kwaRusape nekuMakoni West, uko kunonzi kwakauya zviuru nezviuru zvavanhu kozonzwa vachitaura.

Ukuwo mutevedzeri waVaTsvangirai, Muzvare Thokozane Khupe, vanonzi vange vachitaura pamberi pevanhu vakawanda kuGokwe kuNembudziya.

VaGeorge Sibotshiwe ndivo mutauriri waVaMorgan Tsvangirai.

VaSibotshiwe vaudza mutori wenhau Blessing Zulu weStudio7 kuti vanhu mumaruva vaneta naVaMugabe, nokudaro vari kuvhotera MDC.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG