Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vobvongonyodza Gadziriro dzeSarudzo


Mukutarisa nyaya yegadziriro dzesarudzo, idzo dziri kuitwa svondo rinouya, veruzhinji vari kuchema nerekuti havasi kuwana dzidziso yakakwana pamusoro pesarudzo idzi.

Kushandurwa kuri kuramba kuchiitwa mitemo yesarudzo naVaMugabe, vachishandisa masimba avo, kunonzi kuri kukanganisawo veruzhinji, sezvo vasisaziva kuti ndeupi mutemo uchateverwa.

Ukuwo, mamwe mapato ezvematongerwo enyika, zvikuru MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, ari kunyunyuta kuti mapurisa ari kuvarambidza kuita misangano mune dzimwe nzvimbo, asi Zanu PFichibvumidzwa kuita misangano yayo.

Mukuzeya zviri kuitika, Jonga Kandemiiri weStudio 7 abata vanoongorora zvematongerwo enyika, VaFarai Maguwu, pamwe nasachigaro weZESN, VaNoel Kututwa, avo vanowirirana vose kuti ZEC haisi kuita zvainotarisirwa kunge ichiita panguva ino nyika yatarisana nesarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG