Accessibility links

Breaking News

WFP Yombomisa Kupa Vanhu Chikafu


Sangano reWorld Food Program rinoti richambomira kupa vanhu chekafu mukupera kwesvondo rino, kuitira kuti hurongwa hwesarudzo hufambe zvakanaka.

WFP inoti chikafu chairi kupa vanhu, hachisi kuzoshandiswa munyaya dzezve matongerwo enyika, sezvo chikafu ichi chichifanirwa kupihwa kuvanhu vose vasina chikafu chakakwana.

WFP inoti kusvika pakupera kwesvondo, ichange yapa vanhu vanosvika 2,6 million chikafu. Kutanga mwedzi unouya, sangano iri rinoti richadzikisa huwandu hwevanhu vanoda chikafu, sezvo dzimwe nzvimbo dzava nechikafu chaibva muminda.

VaFambai Ngirande ndivo mutauriri weNational Association of Non-Governmental Organisations, rimwe remasangano anoona nezvekupihwa kwevanhu chikafu.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaNgirande kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu munyaya dzechikafu nesarudzo.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG